Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rute 1:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Akabva pamwe chete navaroora vake panzvimbo yavaigara vakasimuka vakaenda nenzira yaizovasvitsa kunyika yeJudha.

8. Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, “Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri.

9. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume.” Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru.

10. Zvino vakati kwaari, “Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu.”

11. Asi Naomi akati kwavari, “Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here?

12. Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana,

13. maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!”

14. Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.

15. Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.”

16. Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Rute 1