Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rute 1:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!”

14. Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.

15. Naomi akati kwaari, “Tarira, mukadzinyina wako adzokera kuvanhu vokwake nokuvamwari vake. Chidzokera naye.”

16. Asi Rute akapindura akati, “Musandigombedzera kuti ndikusiyei kana kukufuratirai. Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, uye pamunogara ndipo pandichagarawo. Vanhu venyu vachava vanhu vangu uye Mwari wenyu achava Mwari wangu.

17. Pamunofira ndipo pandichafirawo, uye ndipo pandichavigwa. Jehovha ngaandirange, zvinorwadza kwazvo, kana pakava nechimwe chinhu chingatiparadzanisa kunze kworufu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Rute 1