Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 8:4-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana.

5. Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.”

6. Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura.

7. Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari.

8. Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva.

9. Ipapo akaisa ngowani pamusoro waAroni, nechemberi akaisa hwendefa regoridhe, iyo korona tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10. Ipapo Mozisi akatora mafuta okuzodza akazodza tabhenakeri nezvose zvakanga zvirimo, naizvozvo akazvitsaura.

11. Akasasa mamwe mafuta paaritari kanomwe, achizodza aritari nemidziyo yayo yose nedhishi nechigadziko charo kuti azvitsaure.

12. Akadurura mamwe mafuta okuzodza pamusoro waAroni, akamuzodza achimutsaura.

13. Ipapo akauya navanakomana vaAroni mberi, akavapfekedza nguo, akavasunga zviuno namabhanire akavapfekedza ngowani mumusoro sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

14. Akazouya nehando yechipiriso chechivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wayo.

15. Mozisi akabaya hando akatora rimwe ropa rayo, akariisa panyanga dzose dzearitari kuti achenese aritari. Akadurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Naizvozvo akaitsaura kuti aiyananisire.

16. Mozisi akatora mafuta ose akanga akafukidza nhengo dzomukati, akanga akafukidza chiropa, neitsvo mbiri namafuta adzo, akazvipisa paaritari.

17. Asi hando nedehwe rayo nenyama nezvomukati akazvipisa kunze kwomusasa sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

18. Akauya zvino negondohwe sechipiriso chinopiswa, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro.

19. Ipapo Mozisi akauraya gondohwe akasasa ropa raro paaritari kumativi ose.

20. Akacheka gondohwe kuita zvidimbu uye akapisa musoro, zvidimbu namafuta.

21. Akasuka ura namakumbo nemvura uye akapisa gondohwe rose paaritari sechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

22. Akauya zvino nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro.

23. Mozisi akauraya gondohwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi.

24. Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 8