Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 8:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe.

34. Zvaitwa nhasi zvakarayirwa naJehovha kuti akuyananisirei.

35. Munofanira kugara pamusuo weTende Rokusangana usiku namasikati kwamazuva manomwe mugoita zvinoda Jehovha kuti musafe nokuti ndizvo zvandarayirwa.”

36. Saka Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 8