Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 8:22-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Akauya zvino nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro.

23. Mozisi akauraya gondohwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi.

24. Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose.

25. Akatora mafuta, chimuswe chakakora, mafuta ose akafukidza ura, akafukidza chiropa, itsvo mbiri namafuta adzo nechidya chokurudyi.

26. Ipapo kubva mudengu rechingwa chisina mbiriso raiva pamberi paJehovha, akatora chingwa, keke rakabikwa namafuta nekeke dete, akaisa izvi panzvimbo dzina mafuta pamusoro pebandauko rokurudyi.

27. Akaisa zvose mumaoko aAroni neevanakomana vake uye vakazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.

28. Ipapo Mozisi akazvitora kubva mumaoko avo akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa sechipiriso chokugadza, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

29. Akatorawo chityu, mugove waMozisi pagondohwe rokugadza akazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 8