Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 8:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondohwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso,

3. ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.”

4. Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana.

5. Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.”

6. Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura.

7. Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari.

8. Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva.

9. Ipapo akaisa ngowani pamusoro waAroni, nechemberi akaisa hwendefa regoridhe, iyo korona tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10. Ipapo Mozisi akatora mafuta okuzodza akazodza tabhenakeri nezvose zvakanga zvirimo, naizvozvo akazvitsaura.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 8