Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 6:19-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Uye Jehovha akati kuna Mozisi,

20. “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru.

21. Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

22. Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose.

23. Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.”

24. Jehovha akati kuna Mozisi,

25. “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene.

26. Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana.

27. Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene.

28. Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura.

29. Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene.

30. Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 6