Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 4:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo achaenda nehando kunze kwomusasa agoipisa sokupisa kwaakaita hando yokutanga. Ichi ndicho chipiriso chezvivi cheungano yavanhu.

22. “ ‘Kana mutungamiri akatadza nokusaziva, akaita zvinorambidzwa pamirayiro ipi zvayo yaJehovha Mwari wake, ane mhosva.

23. Kana akaziviswa chivi chaakaita, anofanira kuuya nechipiriso chake chenhongo yembudzi isina kuremara.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 4