Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 26:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

2. “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha.

3. “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu,

4. ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.

5. Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu.

6. “ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu.

7. Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu.

8. Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu.

9. “ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi.

10. Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva.

11. Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemei.

12. Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 26