Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 25:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Kana makore awanda, munofanira kuwedzera mutengo, uye kana makore ari mashoma, munofanira kudzikisa mutengo, nokuti zvaari kukutengeserai ndizvo chaizvoizvo uwandu hwezvirimwa.

17. Musabiridzirana, asi ityai Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

18. “ ‘Tevererai mitemo yangu mugochenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ipapo muchagara makachengetedzeka munyika.

19. Ipapo nyika ichabereka zvibereko zvayo uye imi muchadya kusvikira maguta, mugogara makachengetedzeka.

20. Mungabvunza muchiti, “Ko, tichadyei mugore rechinomwe kana tisingadyari kana kukohwa zvirimwa zvedu?”

21. Ndichakutumirai ropafadzo mugore rechitanhatu zvokuti nyika ichabereka zvinokwana makore matatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 25