Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 24:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose.

3. Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya.

4. Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose.

5. “Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa pachingwa chimwe nechimwe.

6. Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha.

7. Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

8. Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva dzose, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi.

9. NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvenetsvene chezvipiriso zvavo zvenguva dzose zvinoitirwa Jehovha nomoto.”

10. Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa.

11. Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.)

12. Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.

13. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 24