Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 23:8-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kwamazuva manomwe mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose.’ ”

9. Jehovha akati kuna Mozisi,

10. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, mukakohwa gohwo rayo, uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa.

11. Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata.

12. Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara,

13. pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo chinokwana zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa, zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, chinonhuwira zvinofadza, nechipiriso chacho chokunwa chikamu chimwe chete kubva muzvina zvehinib rewaini.

14. Hamufaniri kudya chingwa chipi zvacho, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, kusvikira zuva chairo ramunouya nechipiriso ichi kuna Mwari wenyu. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achatevera, kwose kwamuchagara.

15. “ ‘Kubva pazuva rinotevera Sabata, zuva ramakauya nechisote chechipiriso chokuninira, verengai mavhiki manomwe azere.

16. Verengai mazuva makumi mashanu kusvika pazuva rinotevera Sabata rechinomwe, ipapo mugopa chipiriso chezviyo zvitsva kuna Jehovha.

17. Kubva kupi kwose kwamunogara, uyai nezvingwa zviviri zvakaitwa nezvikamu zviviri kubva mugumi zveefa zvoupfu hwakatsetseka zvakabikwa nembiriso sechipiriso chokuninira chezvibereko zvokutanga kuna Jehovha.

18. Pamwe chete nechingwa ichi mupe makwayana manomwe asina kuremara egore rimwe nehando imwe chete diki namakondohwe maviri. Zvichava zvipiriso zvinopisirwa Jehovha, pamwe chete nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, chive chipiriso chinoitwa nomoto chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

19. Ipapo bayirai nhongo imwe chete sechipiriso chechivi namakwayana maviri, ose egore rimwe chete, sechipiriso chokuwadzana.

20. Muprista anofanira kuninira makwayana maviri pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira pamwe chete nechingwa chegohwo rokutanga. Izvi zvipiriso zvitsvene kuna Jehovha zvomuprista.

21. Pazuva rimwe chetero munofanira kudaidzira ungano tsvene murege basa ramazuva ose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya, kwose kwamuchagara.

22. “ ‘Kana muchikohwa gohwo renyika yenyu musakohwa kusvikira kumucheto kwomunda wenyu, kana kunhongera zvinosara pakukohwa kwenyu. Zvisiyirei varanda navatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

23. Jehovha akati kuna Mozisi,

24. “Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 23