Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 23:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Pazuva regumi namashanu romwedzi iwoyo Mutambo waJehovha weChingwa Chisina Mbiriso unotanga; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chinobikwa chisina mbiriso.

7. Pazuva rokutanga itai ungano tsvene uye musaita mabasa amazuva ose.

8. Kwamazuva manomwe mupe chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Uye pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose.’ ”

9. Jehovha akati kuna Mozisi,

10. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yandichakupai, mukakohwa gohwo rayo, uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa.

11. Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata.

12. Pazuva ramunoninira chisote, munofanira kubayira sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha, gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara,

13. pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo chinokwana zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa, zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, chinonhuwira zvinofadza, nechipiriso chacho chokunwa chikamu chimwe chete kubva muzvina zvehinib rewaini.

14. Hamufaniri kudya chingwa chipi zvacho, kana zviyo zvakakangwa, kana zviyo zvitsva, kusvikira zuva chairo ramunouya nechipiriso ichi kuna Mwari wenyu. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achatevera, kwose kwamuchagara.

15. “ ‘Kubva pazuva rinotevera Sabata, zuva ramakauya nechisote chechipiriso chokuninira, verengai mavhiki manomwe azere.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 23