Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 21:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “ ‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake.

8. Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene.

9. “ ‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibiswa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto.

10. “ ‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pavakoma navanun'una vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake.

11. Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake,

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 21