Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 21:16-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Jehovha akati kuna Mozisi,

17. “Uti kuna Aroni, ‘Kumarudzi achatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.

18. Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara;

19. hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara,

20. kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake.

21. Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.

22. Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene;

23. asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’ ”

24. Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 21