Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 20:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Ndichanangana nomunhu iyeye uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, nokuti, nokuda kwokupa vana vake kuna Moreki, asvibisa nzvimbo yangu tsvene uye amhura zita rangu dzvene.

4. Kana vanhu vomunyika yake vakashaya hanya kana munhu uyu achipa mumwe wavana vake kuna Moreki vakasamuuraya,

5. ndichanangana nomunhu uyo nemhuri yake, uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake, iye pamwe chete navose vanomutevera pakuita ufeve naMoreki.

6. “ ‘Ndichanangana nomunhu uyo achaenda kumasvikiro, nokuvadzimu achiita ufeve nokuvatevera uye ndichamubvisa pakati pavanhu vokwake.

7. “ ‘Zvitsaurei mugove vatsvene nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 20