Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 20:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. “ ‘Kana murume akawana mukadzi womukoma kana munun'una ichi chinhu chisina kunaka, azvidza mukoma kana munun'una wake. Vachashaya vana.

22. “ ‘Chengetai mirayiro yangu nemitemo yangu mugoitevera kuitira kuti nyika yandiri kukuendesai kwairi irege kukurutsirai kunze.

23. Hamufaniri kutevera tsika dzamarudzi andichadzinga pamberi penyu. Nokuti vakaita zvinhu zvose izvi, ndikavasema.

24. Asi ndakati kwamuri, “Muchatora nyika yavo. Ndichaipa kwamuri senhaka, nyika inoerera mukaka nouchi.” Ndini Jehovha Mwari wenyu uyo akakutsaurai kubva kune dzimwe ndudzi.

25. “ ‘Naizvozvo unofanira kuisa mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena. Musazvisvibisa nemhuka ipi zvayo kana shiri kana chimwe chinhu chinofamba pavhu, idzo dzandakatsaura sedzisina kuchena kwamuri.

26. Munofanira kuva vatsvene kwandiri nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene. Ndakakutsaurai kubva kumarudzi kuti muve vangu ndoga.

27. “ ‘Murume kana mukadzi svikiro kana anoita zvemidzimu pakati penyu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuvataka namabwe. Ropa ravo richava pamusoro pavo.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 20