Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 2:2-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. agoenda nacho kuvanakomana vaAroni vaprista. Muprista achatora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira, agozvipisa sechikamu chechirangaridzo paaritari. Chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

3. Zvimwe zvose zvinosara pazvipiriso zvezviyo ndezvaAroni navanakomana vake, chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto.

4. “ ‘Kana ukauya nechipiriso chezviyo zvakabikwa muchitofu chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka: makeke anenge aitwa asina mbiriso uye akasanganiswa namafuta kana kuti makeke matete asina mbiriso akazorwa mafuta.

5. Kana chipiriso chako chezviyo chagadzirirwa mugango, chinofanira kugadzirwa noupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta pasina mbiriso.

6. Unofanira kuchipfupfunyura ugodira mafuta pachiri; ichi chipiriso chezviyo.

7. Kana chipiriso chako chezviyo chakabikwa mugango chinofanira kuva choupfu hwakatsetseka namafuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 2