4. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.
5. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.
6. “ ‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.
7. “ ‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.
8. “ ‘Usasangana nomukadzi wababa vako izvi zvingazvidza baba vako.
9. “ ‘Usasangana nehanzvadzi yako kana mwanasikana wababa vako kana mwanasikana wamai vako, zvisinei kuti akaberekwa mumba mumwe chete kana kumwewo.
10. “ ‘Usasangana nomwanasikana womwanakomana wako kana mwanasikana womwanasikana wako; izvi zvingauyisa kuzvidzwa kwauri.