Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 18:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.

3. Hamufaniri kuita sezvavanoita kuIjipiti, kwamaigara uye hamufaniri kuita sezvavanoita kuKenani, kwandiri kukuendesai. Musatevera zviito zvavo.

4. Munofanira kutevera mitemo yangu uye mugochenjerera kuti mutevere mirayiro yangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

5. Chengetai mirayiro nemitemo yangu nokuti munhu anoiteerera achararama nayo. Ndini Jehovha.

6. “ ‘Hapana anofanira kuswedera kuhama yepedyo kuti avate naye. Ndini Jehovha.

7. “ ‘Usazvidza baba vako nokusangana namai vako. Ndimai vako usasangana navo.

8. “ ‘Usasangana nomukadzi wababa vako izvi zvingazvidza baba vako.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 18