Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 15:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Munhu wose anobata mubhedha wake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

6. Ani naani achagara pachigaro chagarwa nomurume anobuda zvinoerera anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

7. “ ‘Ani naani achabata murume iyeye anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

8. “ ‘Kana murume iyeye akasvipira mumwe munhu akachena, achava asina kuchena kusvikira manheru.

9. “ ‘Chinhu chose chichatasvwa nomurume iyeye chichava chisina kuchena,

10. uye ani naani achabata zvinhu zvanga zviri pasi pake achava asina kuchena kusvikira manheru; ani naani anonhonga zvinhu izvozvo anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

11. “ ‘Ani naani achabatwa nomurume iyeye asina kushamba maoko ake anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

12. “ ‘Hari yevhu ichabatwa nomurume iyeye inofanira kuputswa uye mudziyo upi zvawo wakagadzirwa nomuti unofanira kusukwa nemvura.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 15