Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 14:43-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. “Kana maperembudzi akaonekwa zvakare mumba mushure mokunge matombo abviswa imba yaparwa yadzurwa,

44. muprista anofanira kuenda kunozvinan'anidza. Kana maperembudzi apararira ihosha inoparadza, imba haina kuchena.

45. Inofanira kupazwa, matombo ayo, mapuranga nokudzura kwose, zvotorwa zvoendeswa kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.

46. “Munhu upi noupi achapinda muimba iyi painenge ichakapfigwa achava asina kuchena kusvika manheru.

47. Munhu wose achavata kana kuti achadya ari mumba iyoyo anofanira kusuka nguo dzake.

48. “Asi kana muprista akauya kuzoiongorora, akaona kuti maperembudzi haana kupararira mumba mushure mokunge yadzurwa, achati imba yakachena nokuti maperembudzi aenda.

49. Kuti anatse imba, anofanira kutora shiri mbiri nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi.

50. Achaurayira imwe shiri pamusoro pemvura yakachena iri muhari yevhu.

51. Ipapo anofanira kutora puranga romusidhari, hisopi, mucheka mutsvuku, shinda neshiri mhenyu ozvinyika muropa reshiri yafa nemvura yakachena, uye agosasa mumba kanomwe.

52. Achanatsa imba neropa reshiri, mvura yakachena, shiri mhenyu, puranga romusidhari, hisopi uye nomucheka mutsvuku.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 14