Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 14:4-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. muprista acharayira kuti shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda romusidhari, nomucheka mutsvuku, nehisopi zviuyiswe kuti acheneswe.

5. Ipapo muprista acharayirwa kuti imwe yeshiri idzi iurayiwe pamusoro pemvura yakachena muhari yevhu.

6. Anofanira zvino kutora shiri mhenyu oinyika pamwe chete nedanda romusidhari, mucheka mutsvuku nehisopi muropa reshiri yaurayiwa pamusoro pemvura yakachena.

7. Achasasa uyo anofanira kucheneswa kubva kuchirwere chamaperembudzi kanomwe, agozivisa kuti akachena. Ipapo anofanira kuregera shiri mhenyu ichienda musango.

8. “Munhu anofanira kucheneswa anofanira kusuka nguo dzake agoveura bvudzi rake rose agoshamba nemvura, ipapo achava akacheneswa. Mushure maizvozvi anogona kuuya mumusasa asi anofanira kugara kunze kwetende rake kwamazuva manomwe.

9. Pazuva rechinomwe anofanira kuveura bvudzi rake rose. Anofanira kuveura musoro wake, ndebvu dzake, tsiye dzake, nerimwe bvudzi rake rose. Anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura uye achava akachena.

10. “Pazuva rorusere anofanira kuuya namakwayana maviri amakondohwe nesheshe imwe chete, dzose dzine gore dzisina kuremara, pamwe chete nezvikamu zvitatu kubva mugumi zveefaa zvoupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa namafuta sechipiriso chezviyo nerogib imwe chete yamafuta.

11. Muprista achazivisa kuti akachena, anofanira kuuya nouya anofanira kucheneswa nezvipiriso zvake pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana.

12. “Ipapo muprista anofanira kutora gwayana rimwe chete gono agoripa sechipiriso chemhosva pamwe chete nerogi ramafuta; achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.

13. Anofanira kubaya gwayana panzvimbo tsvene apo panobayirwa chipiriso chezvivi nechipiriso chinopiswa. Sezvakaita chipiriso chezvivi, chipiriso chemhosva ndechomuprista, chitsvene-tsvene.

14. Muprista anofanira kutora rimwe ropa rechipiriso chemhosva agoriisa pamucheto wenzeve yokurudyi yomunhu anocheneswa, pamunwe wake mukuru wokuruoko rwokurudyi uye napachigunwe chikuru chetsoka yake yokurudyi.

15. Ipapo muprista achatora imwe rogi yamafuta agodira muchanza choruoko rwake rworuboshwe,

16. agonyika munwe wake wokutendeka nawo wokurudyi mumafuta ari muchanza choruoko rwake agosasa mamwe acho nomunwe kanomwe pamberi paJehovha.

17. Muprista achaisa mamwe mafuta anosara muchanza panzeve yokurudyi youyo anofanira kucheneswa, pamunwe mukuru woruoko rwake rwokurudyi nepachigunwe chikuru chegumbo rake rokurudyi pamusoro peropa rechipiriso chemhosva.

18. Mamwe mafuta ose ari muchanza make muprista achaaisa pamusoro pouyo achada kucheneswa, agomuyananisira pamberi paJehovha.

19. “Ipapo muprista achabayira chipiriso chechivi agoyananisira uyo anofanira kucheneswa kubva pakusachena kwake. Mushure maizvozvo muprista achabaya chipiriso chinopiswa

20. agochipa paaritari pamwe nechipiriso chezviyo, agomuyananisira, uye achava akachena.

21. “Zvino kana ari murombo asingakwanisi kuuya naizvozvi, anofanira kutora gwayana gono sechipiriso chemhosva kuti aninire agomuyananisira pamwe chete nechikamu chimwe chete kubva mugumi cheefac youpfu hwakatsetseka hwakasangana namafuta sechipiriso chezviyo, zvikamu zviviri kubva muzvitatu zverogi ramafuta,

22. njiva mbiri kana hangaiwa mbiri dzaanokwanisa kuuya nadzo, imwe yechipiriso chechivi neimwe yechipiriso chinopiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 14