Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 13:39-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. muprista anofanira kuaongorora uye kana makwapa asina kunyanyochena, tumapundu tusingakuvadzi twabuda paganda, munhu iyeye akachena.

40. “Kana bvudzi romumwe rikabva akasara nemhanza akachena.

41. Kana akabva bvudzi pahuma uye akasara ava nemhanza, akachena.

42. Asi kana ane chironda chichena chakatsvukuruka pamhanza yake kana pahuma, chirwere chinotapukira chabuda pamusoro pake kana pahuma.

43. Muprista anofanira kumuongorora uye kana kuzvimba kuri pamusoro pake kana pamhanza kwakatsvukuruka nokuchena sechirwere chinotapukira cheganda,

44. murume iyeye arwara uye haana kuchena. Muprista anofanira kuzivisa kuti haana kuchena nokuda kwechironda chiri pamusoro wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 13