Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 13:22-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Kana zviri kupararira muganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena, zvinotapukira.

23. Asi kana gwapa risina kupinduka uye risina kupararira, rinongova vanga kubva pamota uye muprista achazivisa kuti akachena.

24. “Kana munhu akatsva paganda uye akabuda gwapa dzvuku kana rakacheneruka paronda rokutsva,

25. muprista anofanira kutarisa gwapa uye kana bvudzi riri pariri rapinduka rikava jena uye zvakadzika kudarika ganda, chirwere chinotapukira cheganda chabuda pakatsva.

26. Asi kana muprista akachiongorora, pasina bvudzi jena pagwapa uye kana zvisina kudzika kudarika ganda uye zvaserera, ipapo muprista anofanira kumugarisa oga kwamazuva manomwe.

27. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kumuongorora uye kana zvichipararira neganda, muprista achazivisa kuti haana kuchena; chirwere chinotapukira cheganda.

28. Asi kana gwapa rikasapinduka uye risina kupararira, asi raserera, kuzvimba kunobva pakutsva uye muprista achazivisa kuti akachena, rinongova vanga rinobva pakutsva.

29. “Kana munhurume kana munhukadzi akava nechironda mumusoro kana pachirebvu,

30. muprista anofanira kumuongorora chironda, uye kana chichiratidza kudzika kudarika ganda, uye bvudzi riri machiri riri renhundurwa uye riri dete, muprista achazivisa kuti munhu iyeye haana kuchena, kuswinya, chirwere chinotapukira chomusoro kana chechirebvu.

31. Asi kana muprista akaongorora ronda iri uye kana risingaratidzi kudzika kudarika ganda uye pasina bvudzi dema pariri, zvino muprista anofanira kuchengeta munhu ane hosha ari oga kwamazuva manomwe.

32. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora ronda, uye kana kuswinya kusina kupararira uye pasina bvudzi renhundurwa uye risingaratidzi kudzika kudarika ganda,

33. anofanira kuveurwa kusiya kwenzvimbo ine hosha, uye muprista anofanira kumuchengeta ari oga kwamamwe mazuva manomwe.

34. Pazuva rechinomwe muprista anofanira kuongorora panovava, uye kana pasina kupararira neganda zvichiratidza kuti hazvina kudzika kudarika ganda, muprista achazivisa kuti akachena. Anofanira kusuka nguo dzake agova akachena.

35. Asi kana kuvava kukaparira neganda iye aziviswa kuti akachena,

36. muprista anofanira kumuongorora, uye kana kuvava kwapararira neganda, muprista haafaniri kutsvaga bvudzi renhundurwa, nokuti munhu iyeye haana kuchena.

37. Zvisinei hazvo, zvikaitika kuti sokuona kwake hazvina kupinduka, uye bvudzi dema ramera mazviri, kuvava kwaporeswa, achena uye muprista achazivisa kuti akachena.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 13