Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 11:36-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

36. Asi chitubu, kana tsime rokuchera mvura zvinoramba zvakachena, asi ani naani anobata chimwe chezvitunha izvi achava asina kuchena.

37. Kana chitunha chikawira pambeu ipi zvayo inofanira kudyarwa, inoramba yakachena.

38. Asi kana mvura yaiswa pambeu, uye chitunha chikawira pairi, inova isina kuchena kwamuri.

39. “ ‘Kana mhuka yamunobvumirwa kudya ikafa yoga, munhu wose achabata chitunha chayo achava asina kuchena kusvikira manheru.

40. Munhu wose achadya imwe nyama yacho anofanira kusuka nguo dzake agova asina kuchena kusvikira manheru.

41. “ ‘Chisikwa chose chinokambaira panyika chinonyangadza, hachifaniri kudyiwa.

42. Hamufaniri kudya chisikwa chipi zvacho chinokambaira panyika, chingava chinofamba nedumbu kana chinofamba namakumbo mana kana namakumbo akawanda, chinonyangadza.

43. Musazvisvibisa nechimwe chezvisikwa izvi. Musazvisvibisa nazvo kana nokuda kwazvo.

44. Ndini Jehovha Mwari wenyu, zvitsaurei mugova vatsvene, nokuti ndiri mutsvene. Musazvisvibisa nechipuka chipi zvacho chinofamba-famba pasi.

45. Ndini Jehovha akakubudisai muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu; saka ivai vatsvene nokuti ndiri mutsvene.

46. “ ‘Ndiyo mitemo iri maererano nemhuka, shiri, zvipenyu zvose zvinofamba mumvura nezvipuka zvose zvinofamba panyika.

47. Munofanira kuisa mutsauko pakati pezvisina kuchena nezvakachena, pakati pezvisikwa zvipenyu zvinogona kudyiwa nezvisingagoni kudyiwa.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 11