Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 1:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Anofanira kuvhiya chipiriso chinopiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu.

7. Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto.

8. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.

9. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

10. “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa chinobva muzvipfuwo chiri chegwai kana chembudzi anofanira kupa chikono chisina kuremara.

11. Ngaachibayire parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni vaprista vagosasa ropa kumativi ose earitari.

12. Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.

13. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista anofanira kuuyisa zvose agozvipisa pamusoro pearitari. Chibayiro chinopiswa, chibayiro chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

14. “ ‘Kana chipiriso chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaape njiva kana hangaiwa ichiri diki.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 1