Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati,

2. “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai.

3. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha.

4. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 1