Testamende Yekare

Testamende Itsva

Revhitiko 1:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati,

2. “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai.

3. “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha.

4. Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire.

5. Ngaabaye hando diki pamberi paJehovha uye ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachauya neropa vagorisasa paaritari kumativi ose pamusuo wokupinda nawo muTende Rokusangana.

6. Anofanira kuvhiya chipiriso chinopiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu.

7. Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto.

8. Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari.

9. Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

10. “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa chinobva muzvipfuwo chiri chegwai kana chembudzi anofanira kupa chikono chisina kuremara.

Verenga chitsauko zvakakwana Revhitiko 1