Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 9:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto.

16. Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku raitaridzika somoto.

17. Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo.

18. Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayirwa kwake, vaibva vadzika musasa.

19. Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa.

20. Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba.

21. Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani ivo vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba.

22. Kana gore rikagara pamusoro petabhenakeri kwamazuva maviri kana mwedzi, kana gore rimwe chete, vaIsraeri vairamba vari mumusasa uye vasingafambi; asi kana rikasimuka ivo vaibva vafamba.

23. Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 9