Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:34-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;

35. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.

36. Pazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake.

37. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

38. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira,

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7