Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 5:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha.

3. Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.”

4. VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

5. Jehovha akati kuna Mozisi,

6. “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha munhu uyo ane mhosva,

7. uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera cheshanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.

8. Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondohwe rokumuyananisira.

9. Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.

10. Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’ ”

11. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

12. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka uye akasava akatendeka kwaari,

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 5