Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 35:29-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. “ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara.

30. “ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete.

31. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Iye anofanira kufa zvirokwazvo.

32. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti akandogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa.

33. “ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura.

34. Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 35