Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 35:28-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa.

29. “ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara.

30. “ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete.

31. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Iye anofanira kufa zvirokwazvo.

32. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti akandogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 35