Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 34:8-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi,

9. wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro.

10. “ ‘Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefani.

11. Muganhu uchadzika uchibva nokuShefani uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti.

12. Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu.“ ‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’ ”

13. Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu,

14. nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye rwehafu rwaManase vakagamuchira nhaka yavo.

15. Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.”

16. Jehovha akati kuna Mozisi,

17. “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni.

18. Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika.

19. Aya ndiwo mazita avo: Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha;

20. Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi;

21. Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi;

22. Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri;

23. Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi;

24. Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani;

25. Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki;

26. Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 34