Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 32:27-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.”

28. Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri.

29. Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo.

30. Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.”

31. VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha.

32. Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.”

33. Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.

34. VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri,

35. Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha,

36. Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo.

37. Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi,

38. pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka.

39. Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase vakaenda kuGireadhi, vakaritapa vakadzinga vaAmori vakanga varimo.

40. Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko.

41. Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 32