Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 31:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.”

5. Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri.

6. Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira.

7. Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 31