Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 31:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa

22. pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu

23. nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.

24. Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”

25. Jehovha akati kuna Mozisi,

26. “Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.

27. Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.

28. Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.

29. Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.

30. Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”

31. Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 31