Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 31:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa.

14. Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo.

15. Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here?

16. Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.

17. Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume,

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 31