Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 3:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri.

9. VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose.

10. Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

11. Jehovha akatizve kuna Mozisi,

12. “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu,

13. nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14. Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,

15. “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”

16. Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

17. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati naMerari.

18. Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni: Ribhini naShimei.

19. Dzimba dzavaKohati: Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 3