Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 3:35-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.

36. VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo,

37. pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.

38. Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri. Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.

39. Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri.

40. Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo.

41. Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”

42. Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha.

43. Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu.

44. Jehovha akatizve kuna Mozisi,

45. “Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha.

46. Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri,

47. unofanira kutora mashekeri mashanua kubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri.

48. Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vakapfuura uwandu kuna Aroni navanakomana vake.”

49. Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi.

50. Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekerib, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.

51. Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 3