Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 3:22-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.

23. Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.

24. Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Erisafi mwanakomana waRaeri.

25. VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenekari netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana,

26. zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.

27. Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmirami, vaIsraeri, vaHebhuroni navaUzieri; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.

28. Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu. VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

29. VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri.

30. Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati aka nga ari Erizafani mwanakomana waUzieri.

31. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, uye zvose zvaidiwa pakushandisa.

32. Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

33. Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari.

34. Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri.

35. Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.

36. VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo,

37. pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.

38. Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri. Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 3