Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 3:13-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14. Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,

15. “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”

16. Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

17. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati naMerari.

18. Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni: Ribhini naShimei.

19. Dzimba dzavaKohati: Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

20. Dzimba dzavaMerari: Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.

21. Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni.

22. Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.

23. Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.

24. Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Erisafi mwanakomana waRaeri.

25. VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenekari netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana,

26. zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.

27. Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmirami, vaIsraeri, vaHebhuroni navaUzieri; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.

28. Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu. VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 3