Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 3:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Jehovha akatizve kuna Mozisi,

12. “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu,

13. nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14. Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,

15. “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”

16. Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 3