Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 29:21-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Mugadzire pamwe chete nehando, makondohwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

22. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

23. “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondohwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

24. Pamwe chete nehando, namakondohwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

25. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.

26. “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondohwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.

27. Pamwe chete nehando, makondohwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.

28. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.

29. “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondohwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 29