Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 28:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;

22. uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.

23. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.

24. Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.

25. Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.

26. “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.

27. Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.

28. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka. hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;

29. uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.

30. Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.

31. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 28