Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 28:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuwira zvinondifadza.’

3. Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose nezuva rimwe nerimwe.

4. Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,

5. pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta omuorivhi akasvinwa.

6. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

7. Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.

8. Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.

9. “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefac youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 28