Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 27:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nemhaka yokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”

5. Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha

6. Uye Jehovha akati kwaari,

7. “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.

8. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.

9. Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake.

10. Kana asina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuvanun'una kana madzikoma ababa vake.

11. Kana baba vake vasina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”

12. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.

13. Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 27