Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 27:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga ari wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.

2. Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati,

3. “Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.

4. Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nemhaka yokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”

5. Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha

6. Uye Jehovha akati kwaari,

7. “Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.

8. “Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.

9. Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 27