37. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.
38. Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;
39. Shufami, kwakabva mhuri yaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yaHufami.
40. Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.
41. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.
42. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:
43. Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.
44. Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;
45. uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.
46. (Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera).
47. Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
48. Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;
49. Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.